Judges 9:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ɀakashata ɀakaitirwa ʋanakomana ʋaJerubaari ʋanamakumi manomŋe ɀitsibge, neropa raʋo ritsibge kunaAbimereki, munuŋuna waʋo wakaʋaʋuraya, nokuʋarume ʋeShekemi ʋakaŋga ʋasimbisa maʋoko ake kuti aʋuraye ʋana ʋaɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akaita izvi kuitira kuti zvakaipa zvakaitirwa vanakomana makumi manomwe vaJerubhi-Bhaari, kuteurwa kweropa ravo, kutsiviwe pamusoro pomunun'una wavo Abhimereki uye napamusoro pavagari veShekemu, avo vakanga vamubatsira kuponda vanakomana vababa vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akaitira izvozvi kuti mhosva youtsinye hwakaitwa naAbhimereki hwokuuraya vakoma navanun'una vake, vanakomana vaJerubhaari makumi manomwe, iripwe, ropa ripfukire iye Abhimereki navanhu veShikemu vakamutsigira kuuraya vakoma navanun'una vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti zvakashata zvakaitirwa vanakomana vaJerubhaari vana makumi manomwe zvitsibwe, neropa ravo ritsibwe kuna Abhimereki, mun'una wavo wakavauraya, nokuvarume veShekemu vakanga vasimbisa maoko ake kuti auraye vana vababa vake.
Shona 2009?
kuti zvakashata zvakaitirwa vanakomana vaJerubhaari vana makumi manomwe zvitsibwe, neropa ravo ritsibwe kuna Abhimereki, munun'una wavo wakavauraya, nokuvarume veShekemu vakanga vasimbisa maoko ake kuti auraye vana vababa vake.
Shona SUB 2002 Bible
kuti zvakashata zvakaitirwa vanakomana vaJerubhaari vana makumi manomwe zvitsibwe, neropa ravo ritsibwe kuna Abhimereki, mun'una wavo wakavauraya, nokuvarume veShekemu vakanga vasimbisa maoko ake kuti auraye vana vababa vake.