Judges 9:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Gaari mŋanakomana waEbedi, akati: Abimereki ndianiko, Shekemi ndianiko, kuti timushumire? Haazi mŋanakomana waJerubaari here? NaZeburi haazi munyai wake here? Imi shumirai henyu ʋarume ʋaHamori, ɓaɓa ʋaShekemi; asi isu ticamushumireiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki ndianiko uye Shekemu ndianiko, kuti tive varanda vake? Ko, haazi mwanakomana waJerubhi-Bhaari, uye Zebhuri haazi mutevedzeri wake here? Shandirai vanhu vaHamori, baba vaShekemu! Seiko tichishandira Abhimereki?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki chiiwo zvake? Naiyesuwo vanhu veShikemu tiri vanhu rudzii chaizvo zvatinozvirega tichingotongwa nomunhu uyu? Handiti Jerubhaari naZebhuri muchinda wake vaitoshandira Hamori baba vaShikemu. Zvino tinofanira kumushandira pamusana pei?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, akati, “Abhimereki ndianiko, Shekemu ndianiko, kuti timushumire? Haazi mwanakomana waJerubhaari here? NaZebhuri haazi munyai wake here? Imi shumirai henyu varume vaHamori, baba vaShekemu; asi isu tichamushumireiko?
Shona 2009?
Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, akati, "Abhimereki ndianiko, Shekemu ndianiko, kuti timushumire? Haazi mwanakomana waJerubhaari here? NaZebhuri haazi munyai wake here? imwi shumirai henyu varume vaHamori, baba vaShekemu; asi isu tichamushumireiko?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, akati, “Abhimereki ndianiko, Shekemu ndianiko, kuti timushumire? Haazi mwanakomana waJerubhaari here? NaZebhuri haazi munyai wake here? Imi shumirai henyu varume vaHamori, baba vaShekemu; asi isu tichamushumireiko?