Judges 9:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamsoro pake, ʋarume ʋeShekemi ʋaciɀinzwa; mŋoyo yaʋo ikaɗa kuteʋera Abimereki, nokuti ʋakati: Ihama yeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hanzvadzi dzamai vake dzakarondodzerazve zvose izvi kuvagari veShekemu, vakada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, “Ihama yedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Madzisekuru ake okwaamai vake vakasuma zvose izvozvi kuvatungamiriri vose vokuShikemu. Vakasarudza kutungamirirwa naAbhimereki nokuti vaiti, “Muzukuru wavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamusoro pake, varume veShekemu vachizvinzwa; mwoyo yavo ikada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, “Ihama yedu.”
Shona 2009?
Zvino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamusoro pake, varume veShekemu vachizvinzwa; moyo yavo ikada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, "Ihama yedu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamusoro pake, varume veShekemu vachizvinzwa; mwoyo yavo ikada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, “Ihama yedu.”