Judges 9:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatuma nhume kunaAbimereki nokunyeŋgera, akati: Tarira, Gaari, mŋanakomana waEbedi nehama dzake ʋaȿika paShekemi; tarira ʋanokurudzira guta kurwa newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatuma nhume kuna Abhimereki muchivande achiti, “Gaari mwanakomana waEbhedhi uye navanun'una vake vakasvika kuShekemu uye vari kukuchidzira guta kuti rikurwisei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatumira nhume kuna Abhimereki kuAruma muchiverevere achiti, “Hevo, kuno kuShikemu kwakauyiwa naGaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake varikuisa muvanhu veguta mweya wokukupandukirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatuma nhume kuna Abhimereki nokunyengera, akati, “Tarira, Gaari, mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vasvika paShekemu; tarira vanokurudzira guta kurwa newe.
Shona 2009?
Akatuma nhume kuna Abhimereki nokunyengera, akati, "Tarira, Gaari, mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vasvika paShekemu; tarira vanokurudzira guta kurwa newe.
Shona SUB 2002 Bible
Akatuma nhume kuna Abhimereki nokunyengera, akati, “Tarira, Gaari, mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vasvika paShekemu; tarira vanokurudzira guta kurwa newe.