Judges 9:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino maŋgwanani, zuʋa ricaŋgoɓuɗa, unofanira kufumira kundoʋamba guta; kana iye naʋanhu ʋaanaʋo ʋaciɓuɗa kuzorwa newe, iwe uŋgaita naʋo seɀaunoɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva dzamangwanani, zuva robuda, mupinde murwise guta. Panouya Gaari navanhu vake kuti vabude kuzorwa nemi, muite zvose zvamunogona noruoko rwenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ava mangwanani, zuva robuda, mokurumidzawo kumuka, mobva mauya muguta. Kana Gaari navanhu vaanenge anavo vouya kuzokurwisai, moita zvamunokwanisa navo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mangwanani, zuva richangobuda, unofanira kufumira kundovamba guta; kana iye navanhu vaanavo vachibuda kuzorwa newe, iwe ungaita navo sezvaunoda.”
Shona 2009?
Zvino mangwanani, zuva richangobuda, unofanira kufumira kundovamba guta; kana iye navanhu vaanavo vachibuda kuzorwa newe, iwe ungaita navo sezvaunoda."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mangwanani, zuva richangobuda, unofanira kufumira kundovamba guta; kana iye navanhu vaanavo vachibuda kuzorwa newe, iwe ungaita navo sezvaunoda.”