Judges 9:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda kumba kwaɓaɓa ʋake paOfra, akaʋuraya pabge rimŋe ʋana ʋaɓaɓa ʋake, iʋo ʋanakomana ʋaJerubaari, ʋaiʋa ʋarume ʋanamakumi manomŋe; asi Jotami, mŋanakomana worugotwe waJerubaari wakapukunyuka, nokuti wakaŋga aʋanda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaenda kuimba yababa vake muOfira uye akaponda paruware rumwe chete vanakomana vababa vake makumi manomwe, ivo vanakomana vaJerubhiBhaari. Asi Jotamu, muduku pana vose kuvanakomana vaJerubhi-Bhaari, akapunyuka nokuti akavanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaenda kumusha kwababa vake kuOfura, akauraya vakoma navanun'una wake makumi manomwe, padombo rimwechete. Asi Jotamu, gotwe raJerubhaari ndiye oga akapunyuka nokuti akanga ahwanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaenda kumba kwababa vake paOfura, akauraya pabwe rimwe vana vababa vake, ivo vanakomana vaJerubhaari, vaiva varume vana makumi manomwe; asi Jotamu, mwanakomana worugotwe waJerubhaari wakapukunyuka, nokuti wakanga avanda.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible