Judges 9:54 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akakurumidza kuɗana jaya raitakura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwariri: Vomora munondo wako, undiʋuraye, kuti ʋanhu ʋarege kuzoti: Wakaʋurawa nomukadzi. Jaya rake rikamuɓaya, akafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakarepo akadana mutakuri wenhumbi dzake dzokurwa akati, “Vhomora munondo wako undiuraye, kuti vasazoti, ‘Akaurayiwa nomukadzi.’ ” Saka muranda wake akamubaya akafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva akurumidza kudaidza rimwe jaya raimutakurira zvombo zvake, akariti, “Buritsa bakatwa rako muhara undipfuudze, vanhu vangazonditi akaurayiwa nomukadzi.” Jaya rake riya rakamubaya akabva afa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akakurumidza kudana jaya raitakura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwariri, “Vhomora munondo wako, undiuraye, kuti vanhu varege kuzoti, ‘Wakaurawa nomukadzi.’ ” Jaya rake rikamubaya, akafa.
Shona 2009?
Ipapo akakurumidza kudana jaya raitakura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwariri, "Vhomora munondo wako, undiuraye, kuti vanhu varege kuzoti, `Wakaurawa nomukadzi.' " Jaya rake rikamubaya, akafa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akakurumidza kudana jaya raitakura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwariri, “Vhomora munondo wako, undiuraye, kuti vanhu varege kuzoti, ‘Wakaurayiwa nomukadzi.’ ” Jaya rake rikamubaya, akafa.