Judges 9:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋaʋudza Jotami iɀoɀo, iye akaenda, akandomira pamsoro pegomo reGerizimi, akaɗana nenzwi guru, akati kwaʋari: Mundinzwei, imi ʋarume ʋeShekemi, kuti Mŋari akunzwei ʋo imi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jotamu akati azvinzwa, akakwira pamusoro peGomo reGerizimu akadanidzira kwavari akati, “Nditeererei imi vagari veShekemu, kuti Mwari agoteerera kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvakasvika munzeve dzaJotamu, iye akaenda akandokwira pamusoro pegomo reGerizimu, akataura kwavari achiita zvokudaidzira kwazvo achiti, “Varume veShikemu, teererai munzwe zvandava kutaura kuti Mwari agokunzwaiwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vaudza Jotamu izvozvo, iye akaenda, akandomira pamusoro pegomo reGerizimi, akadana nezwi guru, akati kwavari, “Mundinzwei, imi varume veShekemu, kuti Mwari akunzweiwo imi.
Shona 2009?
Vakati vaudza Jotamu izvozvo, iye akaenda, akandomira pamusoro pegomo reGerizimi, akadana nenzwi guru, akati kwavari, "Mundinzwei, imwi varume veShekemu, kuti Mwari akunzweiwo imi.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vaudza Jotamu izvozvo, iye akaenda, akandomira pamusoro pegomo reGerizimi, akadana nezwi guru, akati kwavari, “Mundinzwei, imi varume veShekemu, kuti Mwari akunzweiwo imi.