Lamentations 1:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhai, imi mose munopfuʋura, hamunehanya naɀo here? Tarirai muʋone kana kucema kuri’po kwakafanana nokucema kwaŋgu, kwakaʋuyiswa pamsoro paŋgu, Kwandakatambudzwa nako naJehova nezuʋa rokutsamŋa kwake kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hamuna hanya here, imi mose munopfuura? Tarirai pose pose muone. Pano kutambudzika sokutambudzika kwangu here, kwakaiswa pamusoro pangu, kwakauyiswa naJehovha pamusoro pangu pazuva rokutsamwa kwake kunotyisa?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ko imi mose vapfuuri nenzira, hamunei nazvo here? Tarisaiwo zvenyu muone kuti kune nhamowo here yakaita senhamo yangu yakaunzwa pandiri, nhamo yandakapinzwa naTenzi pazuva rehasha dzake dzinotyisa?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhai, imi mose munopfuura, hamuna hanya nazvo here? Tarirai muone kana kuchema kuripo kwakafanana nokuchema kwangu, kwakauyiswa pamusoro pangu, kwandakatambudzwa nako naJehovha nezuva rokutsamwa kwake kukuru.
Shona 2009?
Nhai, imwi mose munopfuura, hamuna hanya nazvo here? Tarirai muone kana kuchema kuripo kwakafanana nokuchema kwangu, kwakauyiswa pamusoro pangu, kwandakatambudzwa nako naJehovha nezuva rokutsamwa kwake kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Nhai, imi mose munopfuura, hamuna hanya nazvo here? Tarirai muone kana kuchema kuripo kwakafanana nokuchema kwangu, kwakauyiswa pamusoro pangu, kwandakatambudzwa nako naJehovha nezuva rokutsamwa kwake kukuru.