Lamentations 1:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joko rokuɗarika kwaŋgu kuzhinji rakasuŋgwa noruʋoko rwake; Ɀakarukwa, ɀaiswa pamutsipa waŋgu, ɀandishaisa simba raŋgu; Ishe wakandiisa mumaʋoko aʋandisiŋgagoni kudziʋisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko; namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete, zvauya pamutsipa wangu uye Ishe apedza simba rangu. Akandiisa mumaoko avanhu vandisingagoni kukunda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvikanganiso zvangu vakazviita sejoko zvaro ravakasungirira namaoko avo pamutsipa wangu; akandipedza simba Tenzi akandiisa mumaoko evandisingagoni kumirisana navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joko rokudarika kwangu kuzhinji rakasungwa noruoko rwake; zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu, zvandishaisa simba rangu; Ishe akandiisa mumaoko avasingagoni kudzivisa.
Shona 2009?
Joko rokudarika kwangu kuzhinji rakasungwa noruoko rwake; zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu, zvandishaisa simba rangu; Ishe akandiisa mumaoko avasingagoni kudzivisa.
Shona SUB 2002 Bible
Joko rokudarika kwangu kuzhinji rakasungwa noruoko rwake; zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu, zvandishaisa simba rangu; Ishe akandiisa mumaoko avasingagoni kudzivisa.