Lamentations 1:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinocema nokuɗa kweɀinhu iɀi, ziso raŋgu, ziso raŋgu rinoyerera mvura, Nokuti munyaradzi, waifanira kusimbisa mŋeya waŋgu, uri kure neni; Ʋana ʋaŋgu ʋasiyiwa, nokuti muʋeŋgi wakunda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndokusaka ndichichema uye maziso angu achierera nemisodzi. Hapana ari pedyo kuti andinyaradze, hakuna anovandudza mweya wangu, Vana vangu vari kutambudzika nokuti muvengi akunda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana paizvozvi ndinochema. Maziso angu anoerera misodzi. Nokuti munyaradzi wokundisimbaradza ari kure neni. Vana vangu vachiti dano, havachisina chavanacho nokuti muvengi akunda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi, maziso angu anoyerera misodzi, nokuti munyaradzi, aifanira kusimbisa mweya wangu, ri kure neni; vana vangu vasiyiwa, nokuti muvengi akunda.
Shona 2009?
Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi, maziso angu anoyerera misodzi, nokuti munyaradzi, aifanira kusimbisa mweya wangu, uri kure neni; vana vangu vasiyiwa, nokuti muvengi akunda.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi, maziso angu anoyerera misodzi, nokuti munyaradzi, aifanira kusimbisa mweya wangu, uri kure neni; vana vangu vasiyiwa, nokuti muvengi akunda.