Lamentations 1:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zioni rinotambanudza maʋoko aro, hakuna‐uŋgarinyaradza; Jehova wakaraira pamsoro paJakobo, kuti ʋakamupoteredza ʋaʋe ʋadziʋisi ʋake; Jerusarema riri pakati paʋo secinhu cisakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zioni rinotambanudza maoko aro, asi hakuna munhu anorinyaradza. Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho, kuti vavakidzani vake vave vavengi vake; Jerusarema richava chinhu chisina kunatswa pakati pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Guta reZioni rasimudza maoko richinamata asi wokurinyaradza hapana Tenzi akati vavakidzani naJakobho vave ndivo mhandu dzake. Jerusaremu yave chinhu chinosemesa kwavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zioni rinotambanudza maoko aro, hakuna angarinyaradza; Jehovha akarayira pamusoro paJakobho, kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.
Shona 2009?
Ziyoni rinotambanudza maoko aro, hakuna angarinyaradza; Jehovha akarayira pamusoro paJakobho, kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Zioni rinotambanudza maoko aro, hakuna angarinyaradza; Jehovha akarayira pamusoro paJakobho, kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.