Lamentations 1:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, Jehova, nokuti ndiri panjodzi, mŋoyo waŋgu unotambudzika; Mŋoyo waŋgu washanduka mukati maŋgu, nokuti ndaka ku mukirai simba; Kunze munondo uno ndi torera, mumba makaita somunorufu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu! Ndiri kurwadziwa mukati mangu, uye ndakakanganisika mumwoyo mangu, nokuti ndakakumukirai zvikuru. Kunze, munondo unondiurayira hama; mukati, munongova norufu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tarisai zvenyu muone Tenzi nhamo yacho yandinayo. Ini ndatambura ini, mwoyo wangu wadzongodzwa mukati mangu nokuda kwokupanduka kwangu kwakaipisa; mumigwagwa'mu mapakatwa chete kuuraya, mudzimbawo rufu rwoga rwoga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, Jehovha, nokuti ndiri panjodzi, mwoyo wangu unotambudzika; mwoyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.
Shona 2009?
Tarirai, Jehovha, nokuti ndiri panjodzi, moyo wangu unotambudzika; moyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, Jehovha, nokuti ndiri panjodzi, mwoyo wangu unotambudzika; mwoyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.