Lamentations 1:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakandinzwa ndicigomera, hakuna‐unondiyaradza; Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋose ʋakanzwa nhamo dzaŋgu, ʋanofara kuti makaɀiita; Mucaʋuyisa zuʋa ramakatara, ipapo ʋacafanana neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vanhu vakanzwa kugomera kwangu, asi hakuna anondinyaradza. Vavengi vangu vose vakanzwa kutambura kwangu; vanofara nezvamakaita. Dai mauyisa henyu zuva ramakazivisa kuti vagofanana nemi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndinzweiwo kugomera kwangu, hapana wokundinyaradza. Zvakavafadza kwazvo vavengi vangu vose kunzwa nezvokutambura kwangu kuti ndimi makazviita. Unzai zuva renyu ramakatsidzira ivo vavewo sezvandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakandinzwa ndichigomera, hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu, vanofara kuti makazviita; muchauyisa zuva ramakatara, ipapo vachafanana neni.
Shona 2009?
Vakandinzwa ndichigomera, hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu, vanofara kuti makazviita; muchauyisa zuva ramakatara ipapo vachafanana neni.
Shona SUB 2002 Bible
Vakandinzwa ndichigomera, hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu, vanofara kuti makazviita; muchauyisa zuva ramakatara, ipapo vachafanana neni.