Lamentations 1:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀakaipa ɀaʋo ɀose ŋgaɀiʋuye pamberi penyu; Muʋaitire iʋo seɀamakandiitira ini nokuɗa kwokuɗarika kwaŋgu kwose; Nokuti kugomera kwaŋgu kuzhinji, mŋoyo waŋgu washaiwa simba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire sezvamakaita kwandiri nokuda kwezvivi zvangu zvose. Kugomera kwangu kwawanda, uye mwoyo wangu wapera simba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Dai zvakaipa zvavo zvose zvangouya pamberi penyu zvazvo moitawo kwavari zvamakaita kwandiri.” Muti kwavari, “Sezvamakaita kwandiri nokuda kwezvikanganiso zvangu kuungudza kwangu kwawandisa uye mwoyo wangu warukutika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire ivo sezvamakandiitira ini nokuda kwokudarika kwangu kwose; nokuti kugomera kwangu kuzhinji, mwoyo wangu washaiwa simba.
Shona 2009?
Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire ivo sezvamakandiitira ini nokuda kokudarika kwangu kose; nokuti kugomera kwangu kuzhinji, moyo wangu washaiwa simba.
Shona SUB 2002 Bible
Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire ivo sezvamakandiitira ini nokuda kwokudarika kwangu kwose; nokuti kugomera kwangu kuzhinji, mwoyo wangu washaiwa simba.