Lamentations 1:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nzira dzeZioni dzinocema, nokuti hakuna‐wakaʋuya kumutambo, Masuʋo aro ose akaparadzwa, ʋaprista ʋaro ʋanogomera, Mhandara dzaro dzinotambudzika, iro rimene rinoʋaʋirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa. Masuo aro ose haasisina vanhu, vaprista varo vanogomera, varandakadzi varo vanochema, uye iro riri pakurwadziwa kukuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nzira dzokuenda kuZioni dzinoungudza nokuti anouya kumazuva makuru akatemwa hapana. Misuo yaro mikuru yachiti haradada kushama. Vapristi varo vari kugomera, vanasikana varo vakakwekweretswa, iro guta pacharo riri kutambura zvikuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nzira dzeZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumutambo, masuo aro ose akaparadzwa, vapristi varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa.
Shona 2009?
Nzira dzeZiyoni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumutambo, masuo aro ose akaparadzwa, vaprista varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nzira dzeZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumutambo, masuwo aro ose akaparadzwa, vapristi varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa.