Lamentations 1:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋadziʋisi ʋaro ndiʋo ʋaʋa ʋakuru, ʋaʋeŋgi ʋaro ʋanofara; Nokuti Jehova wakaritambudza nemhaka yokuɗarika kwaro kuzhinji; Ʋana ʋaro ʋaɗuku ʋakaenda kuʋutorwa pamberi pomudziʋisi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vavengi varo ndivo vava vatongi varo; vavengi varo vagere zvakanaka, Jehovha akarivigira kutambudzika nokuda kwezvivi zvaro zvizhinji. Vana varo vakaenda kuutapwa, vava nhapwa pamberi pavavengi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhandu dzavo ndidzo dzava pamusoro, vavengi varo ndivo vabudirira, nokuti Tenzi akavapinza dambudziko pamusana pezvikanganiso zvaro, vana varo vaenda kuutapwa vachitinhwa navavengi vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nokuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.
Shona 2009?
Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nokuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.
Shona SUB 2002 Bible
Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nokuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.