Lamentations 1:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunaka kwake kwose kwabva pamukunda weZioni; Macinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, Akatiza asinesimba pamberi pounodziŋgana nawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuyevedza kwose kwabva paMwanasikana weZioni. Machinda aro aita senondo yashayiwa mafuro. Mukushayiwa simba vakatiza pamberi paanovadzinganisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jerusaremu yarasikirwa nomukurumbira wayo, machinda ayo ungati imhara chaidzo dzashaya mafuro dziri kutiza dzisisina simba dzichitiza vanodzidzingirira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunaka kwake kwose kwakabva pamukunda weZioni; machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.
Shona 2009?
Kunaka kwake kose kwakabva pamukunda weZiyoni; machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.
Shona SUB 2002 Bible
Kunaka kwake kwose kwakabva pamukunda weZioni; machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.