Lamentations 1:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namazuʋa okutambudzika nokudzuŋgaira kwaro, Jerusarema rinoraŋgarira ɀose ɀairifadza kubva pamazuʋa akare; Paŋguʋa yakawira ʋanhu ʋaro pamaʋoko omudziʋisi, kusinawakariɓatsira, Ʋadziʋisi ʋakariʋona, ʋakaseka kuparadzwa kwaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusarema rinorangarira pfuma yose yakanga iri yaro pamazuva akare. Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi, rakashaya anoribatsira. Vavengi varo vakaritarisa, vakariseka pakuparadzwa kwaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezvo pamazuva ayo enhamo nokurwadzwa Jerusaremu inoyeuka zvinhu zvayo zvinokosha zvaiva zvayo kubvira pasichigare, vanhu vayo pavakawira mumaoko emhandu asi wokuibatsira pakanga pasina, vavengi vayo vaitonakidzwa zvavo nokuitarisa vachiisveeredza pamusana pokuputsika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Namazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusaremu rinorangarira zvose zvairifadza kubva pamazuva akare; panguva yakawira vanhu varo pamaoko omudzivisi, kusina wakaribatsira, vadzivisi vakariona, vakaseka kuparadzwa kwaro.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible