Lamentations 1:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tȿina yaro yakaŋga iri paŋguʋo yaro, harina‐kuraŋgarira kuguma kwaro; Naiɀoɀo rakanyura ɀinoshamisa, harinamunyaradzi; Tarirai, Jehova, kutambudzika kwaŋgu, nokuti muʋeŋgi waɀikudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro; harina kurangarira ramangwana raro. Kuwa kwaro kwakashamisa; hakuna akarinyaradza. “Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu, nokuti muvengi akunda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tsvina yaro yava pamijivha yaro asi kuti irangarire mugumo waro, haina. Saizvozvo kuputsika kwaro kunotyisa wokurinyaradza hapana. Ndionereiwo nhamo yangu, imi Tenzi muvengi wangu wakurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tsvina yaro yakanga iri panguo yaro, harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakanyura zvinoshamisa, harina munyaradzi; tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu, nokuti muvengi wazvikudza.
Shona 2009?
Tsvina yaro yakanga iri panguvo yaro, harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakanyura zvinoshamisa, harina munyaradzi; tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu, nokuti muvengi wazvikudza.
Shona SUB 2002 Bible
Tsvina yaro yakanga iri panguo yaro, harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakanyura zvinoshamisa, harina munyaradzi; tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu, nokuti muvengi wazvikudza.