Lamentations 2:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Meso aŋgu apera nemisodzi, mŋoyo waŋgu unotambudzika; Ciropa caŋgu caɗururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu, Nokuti ʋanana naʋanomna ʋanoziya munzira dzomuguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Meso angu aneta nokuchema, ndiri kurwadziwa mukati mangu, mwoyo wangu wadururirwa pasi nokuti vanhu vangu vaparadzwa, nokuti vana navacheche voziya munzira dzomuguta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maziso angu aneta nokuchema, iyeni pachangu ndadumbirwa shungu dzandipedza mwoyo pamusana pokuparadzwa kweguta ravanhu vangu nokuti vacheche netusvava twuri kuziya mumigwagwa yomuguta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Meso angu apera nemisodzi, mwoyo wangu unotambudzika; chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu, nokuti vanana navanoyamwa vanoziya munzira dzomuguta.
Shona 2009?
Meso angu apera nemisodzi, moyo wangu unotambudzika; chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa komukunda wavanhu vangu, nokuti vanana navanoyamwa vanoziya munzira dzomuguta.
Shona SUB 2002 Bible
Meso angu apera nemisodzi, mwoyo wangu unotambudzika; chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu, nokuti vanana navanoyamwa vanoziya munzira dzomuguta.