Lamentations 2:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicakupupureiko? Ndicakufananidza nei, iwe mukunda weJerusarema? Ndicakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZioni? Nokuti pawakaparadzwa pakakura seguŋgwa, ndiani ucakuporesa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndingareveiko pamusoro pako? Ndingakuenzanisa neiko, iwe Mwanasikana weJerusarema? Ndingakufananidze neiko, kuti zvimwe ndikunyaradze, iwe Mhandara Mwanasikana weZioni? Vanga rako rakadzika segungwa Ndianiko achakuporesa?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndoti kudiiko kwauri ndokuenzanisa neiko iwe guta reJerusaremu? Ndokufananidza neiko kuti ndikunyaradze iwe mhandara tsvene yeZioni nokuti sokukura kwakaita gungwa ndokukurawo kwakaita kuparadzwa kwako. Ndiani angakudzorere pakare?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichakupupureiko? Ndichakufananidza nei, iwe mukunda weJerusaremu? Ndichakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZioni? Nokuti pawakaparadzwa pakakura segungwa, ndiani achakuporesa?
Shona 2009?
Ndichakupupureiko? Ndichakufananidza nei, iwe mukunda weJerusaremu? Ndichakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZiyoni? Nokuti pawakaparadzwa pakakura segungwa, ndiani achakuporesa?
Shona SUB 2002 Bible
Ndichakupupureiko? Ndichakufananidza nei, iwe mukunda weJerusaremu? Ndichakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZioni? Nokuti pawakaparadzwa pakakura segungwa, ndiani achakuporesa?
Recommended Reading