Lamentations 2:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Majaya naʋatana ʋaʋete pasi munzira dzomuguta; Mhandara dzaŋgu namajaya aŋgu ʋaʋurawa nomunondo; Makaʋaʋuraya nezuʋa rokutsamŋa kwenyu, makaɓaya, hamuna‐kunzwira tsitsi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Majaya navatana vavata pamwe chete muguruva romunzira; majaya angu navarandakadzi vangu vaurayiwa nomunondo. Makavauraya pazuva rokutsamwa kwenyu; makavabaya musina tsitsi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panze zvapo vakuru navadiki hero gatakata. Mhandara nemajaya vakauraiwa nebakatwa pazuva rehasha dzenyu pamakavauraya muchavakatakazha zvisina tsitsi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Majaya navatana vavete pasi munzira dzomuguta; mhandara dzangu namajaya angu vaurawa nomunondo; makavauraya nezuva rokutsamwa kwenyu, makavabaya, hamuna kuvanzwira tsitsi.
Shona 2009?
Majaya navatana vavete pasi munzira dzomuguta; mhandara dzangu namajaya angu vaurawa nomunondo; makavauraya nezuva rokutsamwa kwenyu, makavabaya, hamuna kuvanzwira tsitsi.
Shona SUB 2002 Bible
Majaya navatana vavete pasi munzira dzomuguta; mhandara dzangu namajaya angu vaurayiwa nomunondo; makavauraya nezuva rokutsamwa kwenyu, makavabaya, hamuna kuvanzwira tsitsi.