Lamentations 2:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; wakaparadza nɀimbo yake yokuʋuŋgana; Jehova wakakaŋganwisa paZioni ʋuŋgano yakatarwa nesaɓata, Akashoʋora madzimambo naʋaprista neshuŋgu dzokutsamŋa kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaparadza ugaro hwake sebindu; akaparadza nzvimbo yake yokusanganira Jehovha akaita kuti Zioni rikanganwe mitambo yaro yakatarwa namaSabata aro; mukutsamwa kwake kunotyisa, akaramba vose mambo nomuprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaparadza musasa wake somusasa womubindu achiita kuti nzvimbo yamazuva ake makuru ive dongo. Tenzi zvamazuva makuru namaSabata akazvimisa. Madzimambo navapristi akavazvidza pamusana pehasha dzake dzinotyisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; akaparadza nzvimbo yake yokuungana; Jehovha akakanganwisa paZioni ungano yakatarwa neSabata, akashora madzimambo navapristi neshungu dzokutsamwa kwake.
Shona 2009?
Akabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; akaparadza nzvimbo yake yokuungana; Jehovha akakangamwisa paZiyoni ungano yakatarwa neSabata, akashora madzimambo navaprista neshungu dzokutsamwa kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Akabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; akaparadza nzvimbo yake yokuungana; Jehovha akakanganwisa paZioni ungano yakatarwa neSabata, akashora madzimambo navapristi neshungu dzokutsamwa kwake.