Lamentations 2:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakarasha artari yake, wakasema nɀimbo yake tȿene, Wakaisa maȿiŋgo edzimba dzaʋo dzoʋushe mumaʋoko omuʋeŋgi; Ʋakaita ɓope mumba maJehova, sapazuʋa reʋuŋgano yakatarwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ishe akaramba aritari yake uye akasiya nzvimbo yake tsvene. Akaisa mumaoko omuvengi masvingo emizinda yake; vakaita ruzha mumba maJehovha sapazuva romutambo wakatarwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akashora atari yake. Akaramba Nzvimbo yake Inoera. Tsvingo dzemizinda yake akadziisa mumaoko avavengi. Mumba yaTenzi makaitwa ruzha sapazuva guru rakatemwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akarasa atari yake, akasema nzvimbo yake tsvene, akaisa masvingo edzimba dzavo dzoushe mumaoko omuvengi; vakaita bope mumba maJehovha, sapazuva reungano yakatarwa.
Shona 2009?
Jehovha akarasa atari yake, akasema nzvimbo yake tsvene, akaisa masvingo edzimba dzavo vakaita bope mumba maJehovha, sapazuva reungano yakatarwa.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akarasa atari yake, akasema nzvimbo yake tsvene, akaisa masvingo edzimba dzavo dzoushe mumaoko omuvengi; vakaita bope mumba maJehovha, sapazuva reungano yakatarwa.