Lamentations 2:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakafuŋga kuparadza ruȿiŋgo rwomukunda weZioni; Wakatatanura rwonzi rwokuyera, haana‐kudzosa ruʋoko rwake pakuparadza; Wakacemedza nhare noruȿiŋgo, ɀinopera simba pamŋe cete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwakakomberedza Mwanasikana weZioni. Akatambanudza rwodzi rwokuyera uye haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza. Akaita kuti mirwi namasvingo zviungudze; zvose zvakaparara pamwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akatema zvokuita kuti rusvingo rweJerusaremu ruve dongo, akaiganhura netambo rutivi rwaakanyatsoparadza. Nhare norusvingo zvakaungudza zvikadhirika pamwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwomukunda weZioni; akatatanura rwonzi rwokuyera, haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza; akachemedza nhare norusvingo, zvinopera simba pamwechete.
Shona 2009?
Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwomukunda weZiyoni; akatatanura rwonzi rwokuyera,pakuparadza; akachemedza nhare norusvingo, zvinopera simba pamwechete.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwomukunda weZioni; akatatanura tambo yokuyera, haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza; akachemedza nhare norusvingo, zvinopera simba pamwechete.