Lamentations 4:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanoronda makwara eɗu, naiɀoɀo hatigoni kufamba munzira dzomuguta reɗu; Kuguma kweɗu kwaʋa pedyo, mazuʋa eɗu aȿika, nokuti kuguma kweɗu kwaȿika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda, zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo. Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera, nokuti magumo akanga asvika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakatiteeredza kwataienda zvokuti hataikwanisa kufamba mumigwagwa yedu. Kuguma kwedu kwakanga kwaswedera. Mazuva edu akanga apera, mugumo wedu wakanga wasvika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanoronda makwara edu, naizvozvo hatigoni kufamba munzira dzomuguta redu; kuguma kwedu kwava pedyo, mazuva edu asvika, nokuti kuguma kwedu kwasvika.
Shona 2009?
Vanoronda makwara edu, naizvozvo hatigoni kufamba munzira dzomuguta redu; kuguma kwedu kwava pedo, mazuva edu asvika, nokuti kuguma kwedu kwasvika.
Shona SUB 2002 Bible
Vanoronda makwara edu, naizvozvo hatigoni kufamba munzira dzomuguta redu; kuguma kwedu kwava pedyo, mazuva edu asvika, nokuti kuguma kwedu kwasvika.