Lamentations 4:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanakomana ʋanoɗikanwa ʋeZioni ʋakafanana nendarama yakaiȿo‐naka, Haiwa ʋakanzi ʋakaita seɀiroŋgo ɀevu sei, iro ɓasa romuʋumbi wehari!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa vanakomana vanokosha veZioni, kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe, zvino voonekwa sehari dzevhu, iro basa ramaoko omuumbi wehari!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tarisai muone vanakomana veJerusaremu vaimbova nouremo hwavo sendarama yakanakisisa, zvino kuita sehari dzevhu zvadzo dzakaumbwa namaoko omuumbi!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanakomana vanodikanwa veZioni vakafanana nendarama yakaisvo‐naka, haiwa vakanzi vakaita sezvirongo zvevhu sei, iro basa romuumbi wehari!
Shona 2009?
Vanakomana vanodikamwa veZiyoni vakafanana nendarama yakaisvo-naka, haiwa vakanzi vakaita sezvirongo zvevhu sei, iro basa romuumbi wehari!
Shona SUB 2002 Bible
Vanakomana vanodikanwa veZioni vakafanana nendarama yakaisvo–naka, haiwa vakanzi vakaita sezvirongo zvevhu sei, iro basa romuumbi wehari!