Lamentations 4:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya wemhino dzeɗu, iye muzodzwa waJehova, wakaɓatwa muhuzha dzaʋo; Iye watakati: Pamumvuri wake ndi’po paticararama pakati pamarudzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muzodziwa waJehovha, iwo mweya wedu wokufema chaiwo, akanga abatwa mumisungo yavo. Takafunga kuti mumumvuri wake taizorarama pakati pendudzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye upenyu hwedu, muzodzwa waTenzi akatorwa mumakomba avo imomo iye wataiti isu, mumumvuri make ndimo matichagara tiri mukati mevechirudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mweya wemhino dzedu, iye muzodzwa waJehovha, wakabatwa muhunza dzavo; iye watakati, “Pamumvuri wake ndipo patichararama pakati pamarudzi.”
Shona 2009?
Mweya wemhino dzedu, iye muzodzwa waJehovha, wakabatwa muhunza dzavo; iye watakati, "Pamumvuri wake ndipo patichararama pakati pamarudzi."
Shona SUB 2002 Bible
Mweya wemhino dzedu, iye muzodzwa waJehovha, wakabatwa muhunza dzavo; iye watakati, “Pamumvuri wake ndipo patichararama pakati pamarudzi.”