Leviticus 1:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋura namakumbo ŋgaaɀisuke nemvura, muprista agoɀiɓayira ɀose, nokuɀipisira paartari, kuti ciʋe cipiriso cinopiswa, cipiriso cakaitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista anofanira kuuyisa zvose agozvipisa pamusoro pearitari. Chibayiro chinopiswa, chibayiro chakagadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muridzi wayo ngaasuke nemvura zvomukati zvayo nemazondo ayo. Mupristi ngaapisire zvose izvozvo somupiro wokupisa, mupiro unoitwa zvokupisa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi hura namakumbo ngaazvisuke nemvura, mupristi agozvibayira zvose, nokuzvipisira paatari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Shona 2009?
Asi ura namakumbo ngaazvisuke nemvura, muprista agozvibayira zvose, nokuzvipisira paaritari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ura namakumbo ngaazvisuke nemvura, mupristi agozvibayira zvose, nokuzvipisira paatari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.