Leviticus 1:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wecipiriso cinopiswa, kuti cigamucirwe panɀimbo yake, cimuyananisire.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chinopiswa uye chichagamuchirwa chakamumirira iye kuti chimuyananisire.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu iyeyo ngaaise ruoko rwake pamusoro wechibayiro chokupisa ichocho. Chibayiro ichocho chichatora nzvimbo yake kuti chipfupire zvitadzo zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.
Shona 2009?
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.