Leviticus 10:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Nadabi naAbihu, ʋanakomana ʋaAroni, ʋakatora mumŋe nomumŋe haryana yake yeɀinonhuwira, ʋakaisa’mo mŋoto, ndokuisa ɀinonhuwira pamsoro pawo, ʋakaʋuya pamberi paJehova nomŋoto usina‐kutenderwa waasina‐kuraira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Nadhabhi naAbhihu, vanakomana vaAroni vakatora, mumwe nomumwe, hadyana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, vakaisawo zvinonhuwira, vakaisa moto usingabvumirwi pamberi paJehovha zvaakanga asina kuvarayira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nadhabhu naAbhihu vanakomana vaAroni vakatora mabisiro avo vakaisa maari moto, vakamwaya rusenzi pamusoro pawo vakapira kuna Tenzi, moto usiri pamutemo, usiriwo wakanga wanzi naTenzi upirwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira.
Shona 2009?
Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuhwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuhwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Nadhabhi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira.