Leviticus 10:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi wakataura naAroni naEreazari naItamari, ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋasara, akati: Torai cipiriso coʋupfu cakasara paɀipiriso ɀakapisirwa Jehova nomŋoto, muɀidyire kurutiʋi rweartari ɀisinembiriso, nokuti ɀitȿene kwaɀo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake vakanga vasara, Ereazari naItamari, “Torai chipiriso chezviyo kubva pazvipiriso zvakaitirwa Jehovha nomoto, zvakagadzirwa pasina mbiriso mugochiisa parutivi pearitari nokuti chitsvene-tsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akataurira Aroni navanakomana vake vaviri vakanga vasara vainzi Ereaza naItamaru achiti, “Torai zvokudya zvomupiro wembesanwa zvinenge zvasara pamupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, muzvidyire pedyo neatari zvisina mbiriso nokuti zvinoera kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi wakataura naAroni naEreazari naItamari, vanakomana vake vakanga vasara, akati, “Torai chipiriso choupfu chakasara pazvipiriso zvakapisirwa Jehovha nomoto, muzvidyire kurutivi rweatari zvisina mbiriso, nokuti zvitsvene kwazvo;
Shona 2009?
Zvino Mozisi wakataura naAroni naEreazari naItamari, vanakomana vake vakanga vasara, akati, "Torai chipiriso choupfu chakasara pazvipiriso zvakapisirwa Jehovha nomoto, muzvidyire kurutivi rwearitari zvisina mbiriso, nokuti zvitsvene kwazvo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi wakataura naAroni naEreazari naItamari, vanakomana vake vakanga vasara, akati, “Torai chipiriso choupfu chakasara pazvipiriso zvakapisirwa Jehovha nomoto, muzvidyire kurutivi rweatari zvisina mbiriso, nokuti zvitsvene kwazvo;