Leviticus 10:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munofanira kudyira panɀimbo tȿene cityu cinozuŋguzirwa neɓandauko rinosimudzwa, iwe naʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, nokuti makaɀipiwa, kuti uʋe mugoʋe wako, nomugoʋe waʋanakomana ʋako paɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa ɀaʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iwe navanakomana vako navanasikana vako, munogona kudya chityu chakaninirwa nebandauko rakakumikidzwa. Zvidyei munzvimbo yakacheneswa; izvi zvakapiwa kwauri navana vako somugove wenyu wezvipiriso zvokuwadzana zvavana vaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi chityu chomupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi, nechidya chinenge chapirwa, iwe navana vako vakomana navasikana unogona zvako, kuzvidyira panzvimbo inoera, nokuti izvozvi zvakapiwa iwe navanakomana vako somugove wenyu, zvichibva pamipiro yokuwadzana yavaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munofanira kudyira panzvimbo tsvene chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, nokuti makazvipiwa, kuti uve mugove wako, nomugove wavanakomana vako pazvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa zvavana vaIsiraeri.
Shona 2009?
Munofanira kudyira panzvimbo tsvene chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, nokuti makazvipiwa, kuti uve mugove wako, nomugove wavanakomana vako pazvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa zvavana vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Munofanira kudyira panzvimbo tsvene chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, nokuti makazvipiwa, kuti uve mugove wako, nomugove wavanakomana vako pazvibairo zvezvipiriso zvokuyananisa zvevana VaIsiraeri.