Leviticus 10:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi wakanatso‐tȿaka mbudzi yecipiriso ceɀiʋi, akawana kuti yapiswa, akatsamŋira Ereazari naItamari, ʋanakomana ʋaAroni ʋakaŋga ʋasara, akati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati abvunza nezvembudzi yechipiriso chechivi akawana yatopiswa, akatsamwira Ereazari naItamari vanakomana vaAroni vakanga vasara akabvunza akati,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akafeya-feya nezvembudzi yomupiro wokupfupira zvitadzo, wanei kuti yakanga yatopiswa kare, akabva ashatirirwa Ereaza naItamaru akati,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi wakanatsotsvaka mbudzi yechipiriso chezvivi, akawana kuti yapiswa, akatsamwira Ereazari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, akati,
Shona 2009?
Zvino Mozisi wakanyatsotsvaka mbudzi yechipiriso chezvivi, akawana kuti yapiswa, akatsamwira Ereazari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, akati,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi wakanatsotsvaka mbudzi yechipiriso chezvivi, akawana kuti yapiswa, akatsamwira Ereazari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, akati,