Leviticus 10:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Aroni akati kunaMosesi: Tarira, ʋakapisa nhasi cipiriso caʋo ceɀiʋi, necipiriso caʋo cinopiswa pamberi paJehova, ini ndikawirwa neɀinhu iɀi ɀakaɗai; ɀino ɗai ndakadya cipiriso ceɀiʋi nhasi, ɀiŋgaɗai ɀaifadza Jehova here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aroni akapindura Mozisi achiti, “Nhasi vabayira chipiriso chavo chechivi nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha asi zvinhu zvakaita seizvi zvaitika kwandiri. Jehovha aidai afara here dai ndadya chipiriso chechivi nhasi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aroni ndokuti kana Mosesi, “Inga nhasi uno chaiye vanhu vapira kuna Tenzi mupiro wavo wokupfupira zvitadzo nomupiro wavo wokupisa kunyange zvavo vadaro, hezvika izvi zvandiwira izvi. Zvino dai ndadya mupiro iwoyo wokupirira zvitadzo nhasi, ndopazvaizogamuchirwawo naTenzi here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Aroni akati kuna Mosesi, “Tarira, vakapisa nhasi chipiriso chavo chezvivi, nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha, ini ndikawirwa nezvinhu izvi zvakadai; zvino dai ndakadya chipiriso chezvivi nhasi, zvingadai zvaifadza Jehovha here?”
Shona 2009?
Ipapo Aroni akati kuna Mozisi, "Tarira, vakapisa nhasi chipiriso chavo chezvivi, nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha, ini ndikawirwa nezvinhu izvi zvakadai; zvino dai ndakadya chipiriso chezvivi nhasi, zvingadai zvaifadza Jehovha here?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Aroni akati kuna Mosesi, “Tarira, vakapisa nhasi chipiriso chavo chezvivi, nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha, ini ndikawirwa nezvinhu izvi zvakadai; zvino dai ndakadya chipiriso chezvivi nhasi, zvingadai zvaifadza Jehovha here?”