Leviticus 10:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Jehova wakataura cinhu ici, akati: Ndicaɀiratidza kuti ndiri mutȿene munaʋose ʋanosweɗera kwandiri, ndicaɀirumbidza pamberi paʋanhu ʋose. Aroni akanyarara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha paakati: ‘Pakati peavo vachaswedera kwandiri ndicharatidza utsvene hwangu, pamberi pavanhu vose ndichakudzwa.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akataurira Aroni achiti, “Hezvoka! Handiti ndizvo zvakamboreva Mwari achiti, ‘Ndicharatidza vanhu vose vanouya kwandiri kuti ini ndinoera uyewo vanhu vose vachandiremekedza.’ ” Asi Aroni akadumbirwa nazvo akapererwa neromuromo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, ‘Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose.’ ” Aroni akanyarara.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati kuna Aroni, "Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, `Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose.' " Aroni akanyarara.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Jehovha akataura chinhu ichi, akati, ‘Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose.’ ” Aroni akanyarara.