Leviticus 10:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akati kunaAroni nokunaEreazari nokunaItamari, ʋanakomana ʋake: Musasunuŋgura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura ŋguʋo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamŋira ʋuŋgano yose; asi hama dzenyu, ʋeimba yose yaIsraeri, iʋo ŋgaʋaceme kupisa kwakatuŋgidzwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, Ereazari naItamari, “Musarega bvudzi renyu risina kukamiwa uye musabvarura nguo dzenyu nokuti mungafa, Mwari akatsamwira ungano yose. Asi hama dzenyu, imba yose yaIsraeri, vanogona kuchema avo vakaparadzwa nomoto naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akarayira Aroni navanakomana vake Ereaza naItama achiti, “Musarege vhudzi renyu richiti bvuru-bvuru, kana kubvarura zvako hanzu dzenyu mungadaro mukafa, uyewo gungano rose ringavirukirwe nehasha dzaMwari. Kana zviri zvehama dzenyu idzi, gungano rose ravaIsiraeri, ngaricheme zvaro kuparadzwa kwavakaitwa nomoto wakapiswa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati kuna Aroni nokuna Ereazari nokuna Itamari, vanakomana vake, “Musasunungura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, veimba yose yaIsiraeri, ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJehovha.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati kuna Aroni nokuna Ereazari nokuna Itamari, vanakomana vake, "Musasunungura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, veimba yose yaIsiraeri, ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati kuna Aroni nokuna Ereazari nokuna Itamari, vanakomana vake, “Musasunungura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, veimba yose yaIsiraeri, ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJehovha.