Leviticus 10:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Usanwa waini kana cinhu cinoɓata, iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe, kana mucipinda mutente rokusoŋgana, kuti murege kufa; uʋe murairo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Iwe navanakomana vako hamufaniri kunwa waini kana zvimwe zvinwiwa zvakaviriswa pose pose pamunopinda muTende Rokusangana nokuti mungafa. Uyu mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi anotevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe navanakomana vako musanwe waini kana doro kana mopinda mutendhe rokusanganira, mungadaro mukafa. Iwoyu murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Usanwa waini kana chinhu chinobata, iwe navanakomana vako pamwechete newe, kana muchipinda mutende rokusangana, kuti murege kufa; uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
Shona 2009?
"Usamwa waini kana chinhu chinobata, iwe navanakomana vako pamwechete newe, kana muchipinda mutende rokusangana, kuti murege kufa; uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
Shona SUB 2002 Bible
“Usanwa waini kana chinhu chinodhakwa, iwe navanakomana vako pamwechete newe, kana muchipinda mutende rokusangana, kuti murege kufa; uve murairo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.