Leviticus 11:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu unotakura ɀitunha ɀaɀo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ɀinofanira kuʋa ɀisakanaka kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani achanhonga zvitunha zvadzo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. Hadzina kuchena kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ani naani anotakura chitunha chadzo, anofanira kusuka hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Izvozvo zvakan'ora kwamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu unotakura zvitunha zvazvo ngaasuke nguo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri.
Shona 2009?
Munhu unotakura zvitunha zvazvo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu unotakura zvitunha zvazvo ngaasuke nguo dzake, ave asina kunaka kusvikira usiku; zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri.