Leviticus 11:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cinhu cipi necipi cinowirwa necimŋe caɀo kana cakafa, cicaʋa cisina‐kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana ŋguʋo, kana ɗebge, kana homboɗo, kana iri nhumbi ipi neipi inoɓatwa ɓasa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, iʋe isina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ipapo icaʋa yakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru; chigozochena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana chitunha chazvo chikaputsikira pane chinhu chipi nechipi zvacho, chinhu ichocho chaton'ora chingave chakaitwa mudziyo upi noupi wokuitisa basa. Ngachinyikwe mumvura, chichava chakan'ora kudzamara manheru chazova chachenurwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguo, kana dehwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira madeko; ipapo ichava yakanaka.
Shona 2009?
Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguvo, kana debwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira madeko; ipapo ichava yakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguo, kana dehwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira usiku; ipapo ichava yakanaka.