Leviticus 11:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀokudya ɀose ɀiri’mo ɀiŋgadyiwa, kana ɀaɗirwa mvura, ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka; neɀinonwiwa ɀose ɀiri muhari iyo ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chokudya chipi zvacho chinogona kudyiwa, asi chine mvura pachiri, yabva muhari iyoyo chichava chisina kuchena uye kana chipi zvacho chinganwiwa kubva imomo hachina kuchena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvokudya zvinenge zvadirwa mvura yabva mumudziyo iwoyo zvaton'ora chero chokunwa chinenge chirimo chaton'orawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvokudya zvose zvirimo zvingadyiwa, kana zvadirwa mvura, zvinofanira kuva zvisina kunaka; nezvinonwiwa zvose zviri muhari iyo zvinofanira kuva zvisina kunaka.
Shona 2009?
Zvokudya zvose zvirimo zvingadyiwa, kana zvadirwa mvura, zvinofanira kuva zvisina kunaka; nezvinomwiwa zvose zviri muhari iyo zvinofanira kuva zvisina kunaka.
Shona SUB 2002 Bible
Zvokudya zvose zvirimo zvingadyiwa, kana zvadirwa mvura, zvinofanira kuva zvisina kunaka; nezvinonwiwa zvose zviri muhari iyo zvinofanira kuva zvisina kunaka.