Leviticus 12:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana akapona mŋana womusikana, ucaʋa usina‐kunaka viki mbiri, sapamazuʋa okuʋa kwake kumŋedzi; ŋgaagare aciɀinatsa paropa rake mazuʋa anamakumi matanhatu namatanhatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana akabereka mwanasikana, kwevhiki mbiri mukadzi achava asina kuchena sepaanoenda kumwedzi. Ipapo anofanira kumira mazuva makumi matanhatu namatanhatu kuti acheneswe kubva pakubuda ropa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mudzimai apona mwana womusikana achava munhu akan'ora kwamazuva gumi namana, sezvinoita mukadzi kana ari panguva yake yokutevera. Zvinotora makumi matanhatu emazuva ane mazuva matanhatu kuti mukadzi iyeyo achenurwe pauzvere hwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana akapona mwana womusikana, uchava usina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu.
Shona 2009?
Asi kana akapona mwana womusikana, uchava usina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana akapona mwana womusikana, uchava asina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu.