Leviticus 12:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
agociɓayira pamberi paJehova, kumuyananisira; ɀino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murairo kunounopona mŋana womukomana kana womusikana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achazvibayira pamberi paJehovha kuti agomuyananisira, achava akacheneswa kubva pakubuda ropa kwake. Iyi ndiyo mirayiro yomukadzi anobatsirwa nomwanakomana kana mwanasikana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaapire kuna Tenzi mupiro wokupfupira zvitadzo zvomukadzi iyeyo, achabva achenurwa pauzvere hwake. Iwoyu ndiwo mutemo wezvemukadzi anenge asununguka mwana mukomana kana musikana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murayiro kunounopona mwana womukomana kana womusikana.
Shona 2009?
agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murayiro kunounopona mwana womukomana kana womusikana.
Shona SUB 2002 Bible
agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murairo kune anopona mwana womukomana kana womusikana.
Recommended Reading