Leviticus 12:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana akasakwanisa kuʋuya negwaiana, ŋgaatore njiʋa mbiri kana twana tuʋiri twenjiʋa; imŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, neimŋe cipiriso ceɀiʋi; kuti muprista amuyananisire, anake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana asingakwanisi kuuya negwayana, anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, imwe yechipiriso chinopiswa imwe yechipiriso chechivi. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye achava akachena.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana asingakwanisi kuwana hwayana, ngaauye nenjiva mbiri, kana man'ana ehangaiwa. Imwe ngaive yemupiro wokupisa, imwe yacho ive yomupiro wokupfupira zvitadzo. Ipapo mupristi ngaapire kuna Mwari mupiro wokupfupira zvitadzo zvomukadzi iyeyo, achabva achenurwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupristi amuyananisire, anake.”
Shona 2009?
Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti muprista amuyananisire, anake."
Shona SUB 2002 Bible
Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupristi amuyananisire, anake.”