Leviticus 13:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino muprista unofanira kucerekedza; kana akaʋona kuti panapakaɀimba pacena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita cena, pakaɀimba pakaʋa nenyama yakatȿuka,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista anofanira kumuongorora, uye kana pane kuzvimba nokucheneruka paganda, uye zvapindura bvudzi kuti rive jena, uye kana pane nyama yakatsvuka, pakazvimba,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mupristi aongorore. Kana paganda rake paine pakazvimba pakachenuruka, uyewo mvere dzepo dzakachenuruka paine urwa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti panapakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
Shona 2009?
zvino muprista anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
Shona SUB 2002 Bible
zvino mupristi anofanira kucherechedza; kana akaona kuti pane pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,