Leviticus 13:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti hosha yashanduka, ikaita cena, muprista unofanira kureʋa kuti unehosha yakanaka, wakanaka hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo muprista anofanira kumuongorora uye kana zvironda zvacheneruka, muprista achazivisa kuti munhu ane hosha uyu akachena, ipapo achava akachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaamuongorore, kana pane chirwere pacho pakachenuruka mupristi ngaataure pachena kuti murwere iyeyo achenurwa ava munhu akachenurwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake.
Shona 2009?
Ipapo muprista anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, muprista anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mupristi anofanira kumucherechedza; kana akaona kuti chirwere chashanduka, chikachena, mupristi anofanira kureva kuti ane chirwe chakanaka, akanaka hake.