Leviticus 13:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu anapakaɀimba kana panofunuka, kana ciʋara paganda romuʋiri wake, pakaita se hosha yamaperembudzi paganda romuʋiri wake, unofanira kuiswa kunaAroni muprista, kana kunomumŋe waʋanakomana ʋake ʋaprista;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana ani naani akazvimba kana ane tumapundu kana chivara chichena paganda rake chinogona kunge chiri chirwere chinotapukira anofanira kuuyiswa kuna Aroni muprista kana kuno mumwe wavanakomana vake muprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana paganda romunhu paine pakazvimba kana kuti paine pakatushuka kana kuti paine vara zvigozobvapo zvoita zvisasa pamuviri wake, ngaaunzwe kune mupristi wemhuri yekwaAroni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupristi, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapristi;
Shona 2009?
"Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni muprista, kana kuno mumwe wavanakomana vake vaprista;
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu ane pakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sechirwere chamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupristi, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapristi;