Leviticus 13:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino muprista unofanira kucerekedza; kana akaʋona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dza’po dzikashanduka dzikaita cena, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha yamaperembudzi yaɓuɗa napamota.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista anofanira kumuongorora uye kana zvikaratidza kudzika kudarika paganda uye bvudzi riri pachiri rikapinduka rikava jena, muprista achazivisa kuti haana kuchena, chirwere chinotapukira cheganda chabuda panga pane mota.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaaongorore. Kana akaona kuti rakadzika kupfuura ganda mvere dzepo dzachenuruka, mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora. Ichocho chirwere chamapere chinenge chanyuka nepamota.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota.
Shona 2009?
zvino muprista anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, muprista anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota.
Shona SUB 2002 Bible
zvino mupristi anofanira kucherechedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; chirwere chamaperembudzi chabuda napamota.