Leviticus 13:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muprista unofanira kupacerekedza; kana akaʋona kuti mvere dzapaciʋara dzashanduka, dzikaita cena, akaʋona kuti pakaita sapakadzika paganda, aʋa maperembudzi akaɓuɗa napakatȿa; muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha yamaperembudzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
muprista anofanira kutarisa gwapa uye kana bvudzi riri pariri rapinduka rikava jena uye zvakadzika kudarika ganda, chirwere chinotapukira cheganda chabuda pakatsva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mupristi ngaariongorore. Kana mvere dzepo dzakachenuruka richiratidza kuti rakadzika kupfuura ganda chinenge chava chirwere chamapere chanyuka nomuronda routsva. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora chirwere chamapere ichocho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mupristi anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
Shona 2009?
muprista anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; muprista anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
Shona SUB 2002 Bible
mupristi anofanira kupacherechedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; chirwere chamaperembudzi.